Osungirwa mhosva yekuda kuuraya mumwe wake vachirwira pfambi.

New Ziana > Chaminuka > Osungirwa mhosva yekuda kuuraya mumwe wake vachirwira pfambi.

MARONDERA- Nyaya inokatyamadza zvikuru apo murume ane makore makumi mana nemana okuberekwa vekupurazi reAston Featherstone musi va10 Ndira anosungirwa mhosva yekuda kuponda mugarisani wake vemupurazi rimwechetero apo vaviri ava vainge vachinetserana pfambi.

Zuva rakange rakunodoka musi va10 Ndira nguva dziri 6pm apo musungwa Tozivei Manenji akanetsana naVimbai Mharapara uyo ane makore makumi mana nemashanu okuberekwa nekuda kwemusikana vehusiku izvi zvakakonzera bopoto pakati pevaviri ava.

Musi va11 Ndira Manenji akafumobata jongwe muromo ndokunanga kumba kwaigara Mharapara achinge akataura demo pafudzi.

Mutauriri wemapurisa muMashonaland East Province Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko chenyaya iyi. Vakati Manenji akawana gonhi raMharapara risina kukiiwa izvi zvakaita nyore kwaari kuti apinde. Ava mukati memba yaMharapara akamutema nedemo kamwechete kumusana uyezve kamwechete mumusoro ndokubuda kudzokera hake kumba kwake.

Zvichiitika zvose izvi Mharapara akange ari ega muimba yake akazomuka akazozivisa muvakidzani wake uyo akamupanga zano rekuti anoudza mapurisa.Mharapara akasvitsa nyaya iyi kumapurisa eFeatherstone avo vakabva vazouya kuferefeta nyaya iyi pamwe nekuona pakaitikira nyaya. Vakabvazve vasunga mupari vemhosva Manenji.

Mharapara anonzi akaendeswa kuChivhu General Hospital uko arikurapwa asi zvinonzi hazvina kumira zvakanaka sezvo musana wake wakakuvara zvakanyanya zvichisanganisira musoro.

Inspector Simon Chazovachiyi vakakurudzira kuti veruzhinji ngavakoshese hupenyu uyezve vachiti kana vanhu vachinge vanetsana vanofanira kutsvaga vakuru venharaunda vavanoudza kuti vapangwe mazano akafanira.

Most Popular