Muzvinabhizimisi wekutengesa doro muBindura Remigio Mandaza (39) akasungisa mwanakomana wake
Nigel Mandaza Mushure mekumubira makireti nemabodyera edoro anehukoshwa hwemari
yekuAmerica mazana masere.
Nigel Mandaza akamiswa pamberi pedare redzimhosva muBindura apo akanzi adzoke svondo inotevera
kuzogamuchira mutongo wake wehumbavha namutongi Jocelyn Mudhege.
Muchuchisi Nyasha Mhona anodza dare kuti munguva diki yapfuura yemwedzi waChikumi Remigio
akasiya makiretsi ake edoro pavheranda yemba yake arimumota yake apo aita mamwe mabasa.
Zvinonzi mupari hwemhosva akabva atora mukana uyu kubira baba vake mabhodhoro nemakiretsi acho
edoro aisvika iwo zana rimwe nemakumi mashanu akanotengesa hake.
Zvinonzizve mumwedzi umwe chete iwoyo akzobazve mamwe aisvika iwo mazana maviri nemakumi
mashanu.
Baba vake pavakazviziva vhiki yapera mwedzi uno havana kumira kumhan’arira mwanakomana wavo
kumapurisa ekuChiwaridzo zvakazoita kuti Nigel asungwe nemapuria aya.
Govt reiterates imminent pay rise for civil servants
Harare, (New Ziana)- Finance and Economic Development Minister, Prof Mthuli...









