SHONA — Mukadzi ane makore makumi matanhatu nemana (64) okuberekwa ane shabhini
kuMontdor North, Bonsor, kuShurugwi, anonzi akapiswa nemumwe wevaigarotenga doro rake
mushure mokuramba kumukweretesa doro. Parizvino ari muChipatara Chikuru cheShurugwi
maari kurapwa.
Evans Chirawo Mataga anova ane makore makumi matatu nemasere okuberekwa (38), uyo
anoroja pamba pamwe chete nemukadzi ane shabhini anonzi akadira mukadzi uyu peturu
achibva amupisa.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inisipekita Emmanuel Mahoko vakati, Nomusi wa15
Chikumi nenguva dzekuma 2 masikati, Mataga akaenda kumba kwemukadzi ane shabhini
anotengesa doro zvisiri pamutemo.
“Akakumbira kukwereteswa doro, asi mukadzi uyu akaramba achiti Mataga aiva nechikwereti
chemari yaakanga asati adzosa,” vakadaro VaMahoko.
Mataga akatsamwa nazvo ndokumupisa. Vamwe vatengi vedoro vaivapo vakakwanisa kudzima
moto uyu ndokumhanya naye kuchipatara chikuru cheShurugwi, asi akanga atotsva
zvakanyanya nechekare.
Mapurisa akatosunga ari kupomerwa mhosva iyi uye kuferefetwa kwayo kuchiri kuenderera
mberi.
Mune chimwe chiitiko, mumwe murume wekuKwekwe ane makore makumi maviri
nemapfumbamwe okuberekwa (29) akawanikwa ari muguvi reropa mumugwagwa wegiravhero
mumusha unogara voruzhinji weMbizo.
Nomusi wa14 Chikumi, Nicodemus Choga ane makore makumi maviri nemapfumbamwe
okuberekwa (29), uyo aizivikanwa nokutengesa huni kuMbizo akaonekwa akarara muguvi
reropa nenguva dzekuma 6 manheru nemumwe mupfuuri asina kuda kudomwa zita rake uyo
anova akazozivisa mapurisa.
“Muviri wose waive nemaronda akawanda okubayiwa. Ongororo yokutanga yakaitwa
yakaratidza kuti aiva apedzisira kuonekwa pane imwe takishopu yaive pedyo achinetsana
nevamwe varume vaive vakapfeka mabhachi matema.” Vakadaro VaMahoko.
Mutumbi wakazoendeswa kumochari yeChipatara Chikuru cheKwekwe uko wakamirira
kuongororwa nanachiremba.
SHONA
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University
National Language Institute









