Makanzura eGweru voda nzvimbo dzokuvaka serutendo rwebasa guru ravakaita

New Ziana > Provincial Newspapers > Makanzura eGweru voda nzvimbo dzokuvaka serutendo rwebasa guru ravakaita

SHONA — Hurumende yatsiura Kanzuru yeGuta reGweru kuti imise
kushungurudzwa kwevashandi nemakanzura vari kusiya mabasa avo vari
kupomerwa mhosva yokuita "zvinhu zvisiri pamutemo" zvokuda zvimwewo
zvinhu zvokutendwa nokupiwa nzvimbo dzokuvaka.
Makanzura ari kusiya basa vanoda kupiwa "ruremekedzo" rwenzvimbo dzokuvaka
dzimba nemabhizimusi dzinosvika makumi maviri nemaviri (22) dzakatorerwa
varidzi nekanzuru vaiva vatadza kuvaka.
Mutsamba yakanyorerwa vakafanobata chigaro chaMabharani weKanzuru,
VaLivingstone Churu musi wa26 Chikumi, Vanofambisa Mabasa ezveBudiriro
muDunhu reGweru, VaTarisai Mudadigwa vakati zvinodiwa nemakanzura vari
kusiya mabasa hazvisi pamutemo uye kushungurudzwa kwevashandi vekanzuru
kunofanirwa kuguma.
Zvakasvika kuhofisi iyi kuti kune mhan’aro dzokuti makanzura eGuta reGweru
vari kusiya basa vari kumanikidzira kupiwa zvisiri pamutemo zvimwewo zvinhu
zvokutendwa uye nzvimbo dzokuvaka.
Pamusoro pezvo, hofisi iyi yakanyatsoziviswa kuti makanzura mamwe chetewo
akagara apiwa nzvimbo dzokuvaka nechekare pachitevedzerwa mutemo uye
makanzura iwayo ari kukumanikidzai imi makafanobata chigaro chaMabharani
weKanzuru kuti mumise mabasa vamwe vashandi kunyanya vari mubazi rinoona
nezvedzimba, vakadaro VaMudadigwa.
Vashandi vekanzuru vakawanda vari mubazi rinoona nezvedzimba vakatotora
mazuva ezororo kusvika panozoparadzwa kanzuru iyi.
VaMudadigwa vakakurudzira vakafanobata chigaro chaMabharani weKanzuru kuti
vaone kuti vatevedzera maitirwo ebasa ari pamutemo anotevedzwa mukuwaniswa
nekutengeswa kwenzvimbo dzokuvaka. Vakati panodiwa kuti paongororwe
zvakare ukoshi hwenzvimbo idzi nokushambadzira patsva kune voruzhinji.

SHONA

Mutungamiri weVagari veGuta reGweru uye Mubatanidzwa weVanobhadhara
Mitero, VaCornelius Selipiwe vati zvinosuwisa kuti makanzura aimanikidzira
kuisa chikumbiro chakadai.
Patakasarudza makanzura, chinangwa chaive chokuti vazotimiririra,
vachitungamirira nokuchengetedza pfuma yedu.
Upfumi hunosanganisira mari, asi kana voonekwa vachimanikidzira kupiwa
zvinhu zvose izvi zvinoreva kuti pane chimwe chinhu chakanganisika. Zvinoreva
kuti takasarudza vanhu vasina kukodzera, vari muutungamiri, asi vasiri
vatungamiriri vakanaka. Chavanoda ndechokuba, ivo vachifanirwa kuchengetedza
pfuma nenzvimbo dzedu," vakadaro VaSelipiwe.
Pavakabvunzwa nezvenyaya iyi, vakafanobata chigaro cheMabharani weGuta
reGweru, VaChuru vakaendesa veNew Ziana kumukuru anoona nezvekudyidzana
nevoruzhinji mukanzuru VaVimbai Chingwaramusee avo vakatiwo vakanga vasina
kumbonyeurirwawo nezvenyaya idzi uye vachibva vaendesa zvakare mibvunzo iyi
kuna Mabharani weGuta reGweru nameya weKanzura VaHamutendi Kombayi.
Zvisinei, Meya akanga asiri kudavira runhare rwake.

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State
University National Language Institute

Most Popular