KUMWE kuita kedzimwe hama hakana rudo uye kanogumbura chaizvo.
Mhuri yekwaKuveza iyo inobva kwaGweshe kuChiweshe yakaita chipitipiti
masvondo maviri adarika kugovana midziyo yehama yavo, Funwell Kuveza, uyo
akange arwarisa zvakanyanya.
Zvakaitwa nemhuri yekwaKuveza kuChiweshe hazvina kufarirwa zvikuru naFunwell
Kuveza uyo akange arwarisa zvekutadza kutaura kwemasvondo maviri.
Murume uyu arwara kudaro, vehukama vachitungamirwa nasekuru vemhuri, Naison
Kuveza, vakabva vatanga kugoverana zvinhu zvemurwere, izvo zvaisanganisira
chigayo, motokari, mudhudhudhu, nhumbi dzekupfeka pakati pezvimwe.
Zvino kutanga kwesvondo rakapera, Funwell Kuveza akatanga kuita zviri nani
ndokutanga kudya pamwe nekutaura apo midziyo yake yakagoverwa vanhu
nechekare.
"Ndiri kunzwa kuti midziyo yangu yakatorwa nehama nokuti ndakange ndarwara
zvekuda kufa manje ndapora. Ndichati vose vadzorere zvinhu zvangu nokukasira.
Hakuna zvakadaro. Anenge atadza kudzorera ndinenge ndakuendesa nyaya yangu
kudare raMambo," akadaro Funwell Kuveza.
Naizvozvo mushure mekuona kuti Funwell akuratidza kupora, sekuru ava vakabva
vataurira vanhu vose vakagoverwa midziyo kuti vadzosere zvinhu zvemuridzi
nokukasika asi parizvino kwakadzorerwa zvinhu zvinoti chigayo nemotokari asi
zvinhu zvakaita semudhudhudhu nedzimwe nhumbi dzekupfeka hazvisati
zvadzorerwa.
"Hatina kugovana zvinhu asi takazvichengetedza panzvimbo yakanaka, asi dzimwe
hama ndodzakazoba zvimwe zvinhu," akadaro Naison Kuveza.
Pazvinhu izvi, hapasi kuwanika mabhasikoro maviri ayo ari kunzi akapihwa vamwe
sekuru vaFunwell, avo vanogara kwaMutare.
Mudzimai waFunwell Kuveza, Tsitsi Mhuru, akati kubva pakatanga kurwara murume
wake, midziyo yepamba pavo yaingotorwa zvichinzi yaida kutengeswa kuti
pagowanika mari yekurapisa Funwell Kuveza uyo akange asinganzwe zvakanaka.
"Zvinhu zvedu vakatorwa nehama dzemurume wangu, ndokubva vagovana
vachinyepera kuti vanoda kuzvitengesa kuti varapise murwere,'' akadaro Tsitsi
Mhuru.
Nerumwe rutivi rwenyaya iyi, mukadzi waFunwell anonzi akange asinga buritse mari
yekuti murwere arapiswe. Naizvozvo, nekuda kwekuomera kwemukadzi uyu, hama
dzakabva dzada kumurwadzisa nenzira yekumutorera zvinhu zvose.
"Maiguru vaisada kana kutipa mari yekuti mukoma varapwe saka taida kuvakaurisa,"
akadaro Misheck Kuveza.
Pakarwara Funwell Kuveza uyo ane chirwere chemoyo, hama dzakafunga kuti
murume uyu anogona kufa ndokuzofungazve kuti mukadzi wake aizotora zvinhu
zvose kuita zvake. Naizvozvo vakabva vatanga kuita madira tivhange vachigovana
midziyo yemurwere uyu.
Nyaya yekwaKuveza inyaya inosetsa asi ichigumbura sezvo pakatorwa midziyo iyi
hapana kana chakange chasiirwa vana vatatu vaFunwell, zvichireva kuti kana
pachazofa murume uyu vana vanogona kusara vasina kana pokutangira sezvo
hama dzaakutoratidza makaro nechekare.








