Dunhu ReChimanimani Rotambudzwa Nemarariya

by | Feb 18, 2025 | Provincial Newspapers, Pungwe News

Sharon Chigeza

MUTARE-Dunhu reChimanimani riri kutatarika nechirwere chemarariya chakanyanya, uye vanhu zana nemakumi maviri vanonzi vabatwa munzvimbo dzakasiyana siyana dzinosanganisira Gwindingwi, Charleswood neNgorima.

Mamiriro ezvinhu aya aita kuti vakuru vezveutano mumatunhu vatore matanho nekukasika, kuita ongororo, kufambiswa kwenyaya, pamwe nekutevera kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Mvura isingaperi ichangobva kunaya yakagadzira mamiriro akanaka ekuberekesa umhutu, zvichiwedzera dambudziko remarariya. Nzvimbo dziri pedyo nemuganhu weMozambique dzakaita seMutsvangwa, Demene, Vhimba neChikukwa ndidzo dziri kunyanya kubatwa nechirwere ichi.

Nekuda kweizvozvo, vezvehutano vari kuita nzira huru dzekudzivirira chirwere ichi, izvo zvinosanganisira kumwaya mudzimba, kugovera mambure ekudzivirira humhutu, uye kuwaniswa kwemishonga inodzinga humhutu nemakoiri.

Dr. Donatas Mugari, District Medical Officer (DMO), vakaratidza kushat kwemamiriro ezvinhu pamusangano wedunhu rekuchengetedzwa kwevanhu.

Akatsinhira kuti pane vanhu vaviri vanonzi vafa nekuda kwemarariya, vachisimbisa kukosha kwekupindira nekukasika.

“Mumwaka uno wekunaya kwemvura, nzvimbo dzekuberekera humhutu dzichawanda, zvoisa vanhu vakawanda panjodzi,” Dr. Mugari vakayambira.

Pamusoro pekupfapfaidza nekugovera mambure, vakuru vezvehutano vari kurongawo zvirongwa zveutano muzvikoro pamwe nehurongwa hwekudzidzisa nharaunda nezvekudzivirira marariya. Zvirongwa izvi zvine chinangwa chekuzivisa uye kukurudzira vagari kuti vatore matanho ekurwisa kurumwa neumhutu.

Zvakadaro, bazi rezveutano nekurerwa kwevana (MOHCC) rakatarisana nematambudziko makuru mukuyedza kurwisa chirwere ichi. Kushaikwa kwemotokari, kunyanya ma land cruiser anokodzera nzvimbo yedunhu ine mawere, inovhiringa zvifambiso zvezvirongwa zvekusvika vanhu. Pamusoro pezvo, kushaikwa kwemafuta ekufambisa kunowedzera kuomesa mamiriro ezvinhu, zvichitadzisa kugadzirisa dambudziko remalaria panguva.

Kuti vagadzirise matambudziko aya, mapazi ose ehurumende, vanodyidzana nebudiriro, nemakambani emunyika vakakurudzirwa kuti vapewo mari nerutsigiro. Kushanda pamwe chete kwakakosha mukusimudzira kushanda kwezvirongwa zvehutano zvirikuenderera mberi uye kuderedza dambudziko remalaria muChimanimani.

“Kubatana kwemapoka emuno kuchange kwakakosha zvikuru mukurwisa chirwere chinodziviririka ichi, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura yakaoma,” vakadaro Dr Mugari.

Igombalume  lakalobwa kuswika pokufa

Igombalume lakalobwa kuswika pokufa

Igombalume loku Lupane ( 26 ) umo mubukukutu bokulwana mushule mokubudulwa neshanu akale neswimbo elwiswa nabanulume babili . Undebelekeli wamapulisa muchigaba che Matabeleland North ba inspector Glory Banda bakasimisa chitiko yechi bethi wakabudulwa ndi Allen Vundla...

Mwalumi wakawumwa maane do kufwa

Mwalumi wakawumwa maane do kufwa

Mwalumii wamyaka isika makkumi abili alamusanu akamwi uzwa kuLupane wakasyala dindimbali musule akuyeyelwa kuti balumi bobile aba mbibakamutema akumuma ankoli , kumamanino wazosyala nkalikufwa zwakwe . Ba Insipekita Glory Banda balimbabo balangana eprovinsi...

Vasingadhibhise mombe vorodzerwa matemo

Vasingadhibhise mombe vorodzerwa matemo

Mukuedza kwayo kuderedza huwandu hwemombe dzinofa kubudikidza nechirwere cheJanuary Disease icho chiri kutadzisa kuti mamwe matanga anyatsopfumbira, Hurumende inoti ichazenge isingadzore tsvimbo kuvarimi vose vasingaendese mombe dzavo kumadhibhi sezvinotarisirwa nguva...