Mukuedza kwayo kuderedza huwandu hwemombe dzinofa kubudikidza nechirwere cheJanuary Disease icho chiri kutadzisa kuti mamwe matanga anyatsopfumbira, Hurumende inoti ichazenge isingadzore tsvimbo kuvarimi vose vasingaendese mombe dzavo kumadhibhi sezvinotarisirwa nguva dzose.
Vachitaura vari munzvimbo yeBubi uko vainge vachitenderera vachiona mamiriro akaita zvipfuyo munharaunda iyi, mutevedzeri weGurukota Rinoona Nezvekurima, VaDavis Marapira, vakati kunyuka kwechirwere cheJanuary Disease, icho chinozivikanwa nerimwe zita rekuti Theileriosis, kuri kukonzerwa nekunyozera kuri kuita varimi kunodhibhisa mombe dzavo.
Vakatura mashoko aya, zvisinei nekuti vamwe varimi vaive nemuono wekuti nyaya yekurwara kana kufa kwemombe dzavo kwaikonzerwa nekushomeka kwemishonga yekudzibaya kana kusanganisa nemvura yemudhibhi.
“Hatisi kuzongoramba takapeta maoko edu tichiona vamwe venyu vachiregera kuendesa mombe dzavo kumadhibhi. Chirwere cheJanuary Disease chinorapika zvisina kana mubvunzo. Varimi vose vanodhibhisa mombe dzavo nguva nenguva havasi kusangana nedambudziko iri. Vamwe venyu vari kutaura nezvekushomeka kwemushonga unonzi acaricide asi ndinoda kukuudzai kuti nyaya yese iri pakusaendesa mombe kudhibhi,” vakadaro VaMarapira.
Vakati zvakaongororwa zvikaonekwa kuti dambudziko rechirwere cheJanuary Disease rakaonekwa kuti rakanyanyodzika midzi uye rakabatwa pamadhibhi gumi nemaviri. Nzvimbo iyi ine madhibhi anosvika kumakumi mashanu nemapfumbamwe.
“Kuti tideredze kupararira kwechirwere ichi, tiri kukurudzira varimi kuti vagare vachidhibhisa mombe dzavo uye takasimbaradza maongorero atinoita hutano hwemombe dziri mudunhu rino. Pamusoro pezvo, tiri kupakurira varimi dzidziso pamusoro pehuipi hwechirwere ichi uye matanho avangatorewo mukuedza kuchideredza kana kutochipedza chaiko. Takaona zvakakodzera kuti padhibhi rega-rega pagare pachiwanikwa mushonga unonzi acaricides,” vakadaro.
Pakunyorwa kwenyaya ino, madhumeni ainge achitova pakati pekuongorora hutano hwemombe nemachengeterwo adzinoitwa uyewo kudziidzisa varimi nezvemachengetero emombe akanaka anoita kuti vasarasikirwe nezvipfuyo zvavo.
Chirwere cheJanuary Disease chinokonzerwa nezvikwekwe uye chinogona kungobata chero mombe zvisinei nezera rayo. Kana chikasabatwa nguva iripo, chinoita kuti mombe dzife, varimi vorasikirwa nepfuma yavo.
Kunze kwekuuraya mombe chete, chirwere ichi chinovhiringa raramiro yevanhu yakatsarukana sezvo vamwe vachitowana mari kubudikidza nekutengesa mombe dzavo kana kudzishandisa mabasa akasiyana-siyana epamusha.
Kugaroendesa mombe kudhibhi kunoderedza huwandu hwezvikwekwe uye kunodzivirirawo zvimwe zvirwere zvazvinokonzeresa zvakaita seTheileriosis, Anaplasmosis neBabesiosis. Kudzivirirwa kwezvirwere izvi kuti zvisabata mombe kunoita kuti mombe dzinge dzakachengetedzeka dziine hutano, dzichikwanisa kupazve varimi mukaka wakaringana.
“Zvipfuyo zvatinochengeta mumaruwa zvakaita semombe zvinosimbaradza hupfumi hwedu semisha uye senyika. Kana varimi vashoma vakasadhibhisa mombe dzavo, zvinovhiringa hutano hwedzeavo vanogarodhibhisa zvokanganisika kugadzikana munharaunda. Tinovimba kuti madzishe, masabhuku nevamwe vemitemo vachagara vachikurudzira varimi kuti vapote vachiendesa mombe dzavo kumadhibhi nguva nenguva,” VaMharapira vakatsindidza.
Parizvino, Hurumende iri kuzama nepainokwanisa kuchengetedza huwandu hwemombe kubudikidza nekutenga mishonga yezvikwekwe mizhinji, kugadzirisa madhibhi anenge ave ekare uye kudziidzisa madhumeni kuitira kuti agozoita basa rawo aine ruzivo rwunodiwa pamusoro pezvekuchengetwa kwakanaka kwezvipfuwo.
New Ziana