Nhumbi dzomufi dzobaya-baya

by | Nov 7, 2024 | Nehanda Guardian, Provincial Newspapers

NaHeadrance Viga

CONCESSION – MUMUSHA weHighwood kuConcession kune chishamiso chakaitika apo murume anonzi Benard Soko (36) akushushikana paakanzwa kubaiwa-baiwa nenhumbi idzo dzaakagoverwa mushure mekufa kwasekuru vake mumwedzi wakapera.

Setsika dzevanhu, kana munhu afa nhumbi pamwe nemidziyo yake zvinobva zvapuhwa hama dzanyakufa. Ndozvimwe chetezvo zvakaitwa mushure mekufa kwaSekuru Madondo apo Benard Soko akabva apuhwa hembe dzekupfeka pamwe neshangu.

Zvino zvaakushamisa panyaya yenhumbi dzemufi uyundezvokuti, Benard Soko anoti akapfeka nhumbi dzakasiiwa nemushakabvu sekuru vake anonzwa kuita sokunge dzine minzwa apo dzinenge dzichimubaya-baya.

Dzimwe dzenguva anoti anonzwa dzichivava kuita sokunge dzadirwa huriri asi idzo dzisina. “Nhumbi dzandakapihwa dzasekuru vangu vakafa dzaakunditambudza, nokuti ndikadzipfeka ndinonzwa kubaiwa- baiwa, uye dzichiita kunge dzine minzwa,” akadaro Benard Soko.

Nyangwe neshangu dzacho akadzipfeka dzinomubaya-baya mukati metsoka kuita sokunge mapinda tupikiri tudiki.

Tiri pashangu ipapo, dzimwe nguva dzikasamubaya-baya mushure mekudzipfeka makumbo ake anofuma akazvimba. “Kuzoti ndikapfeka shangu dzandakapihwa dzasekuru vakafa ava ndinonzwa kujungwa mukati madzo muchiita kunge mapinda zvipikiri,” uku kutaura kwaBenard Soko. Kwafambwa nemurume uyu achitsvaga rubatsiro ari kuudzwa kuti pane hushereketwa hwakaitwa panhumbi dzacho sezvo dzimwe hama dzakange dzisingade kuti murume uyu awane nhumbi dzasekuru ava nokuti murume uyu ari kunzi akange asina hanya nasekuru ava kubva pakurwara kwavo kusvika pakuzofa.

Amai vaBenard Soko, Dadirai Gore, vakatsinhira kuti Benard ari kunzwa kubaiwa nenhumbi dzasekuru vake kana akangodzipfeka. “Mwana wangu ane dambudziko rekuti akapfeka nhumbi dzaakapuhwa dzasekuru wake vakafa anojungwa jungwa nadzo,” vakadaro amai vaBenard Soko.

Zvinotaridza kuti nhumbi dzakapihwa murume uyu dzakagadzirwa inyaya yekuti dzimwe nhumbi dzakapihwa vamwe vehukama hapana kana nhumbi iri kubaya-baya anenge akaipfeka kunze kwaBenard Soko uyo atambura nehembe dzasekuru vake.

Kusvika parizvino Benard akatombomira kupfeka nhumbi dzacho senzira yekuda kupunyuka kubva padambudziko iri nokuti pose paari kudzipfeka ari kuona chitsvuku nadzo. Sekufunga kwake, Benard ari kuti anogona kupisa hembe dzacho pamwe neshangu kuti apedze dambudziko racho zvachose asi vamwe vehukana vari kuti hembe idzi hadzifanirwe kupiswa izvo zviri kubva zvasiya murume uyu ari mudambudziko guru.

Igombalume  lakalobwa kuswika pokufa

Igombalume lakalobwa kuswika pokufa

Igombalume loku Lupane ( 26 ) umo mubukukutu bokulwana mushule mokubudulwa neshanu akale neswimbo elwiswa nabanulume babili . Undebelekeli wamapulisa muchigaba che Matabeleland North ba inspector Glory Banda bakasimisa chitiko yechi bethi wakabudulwa ndi Allen Vundla...

Mwalumi wakawumwa maane do kufwa

Mwalumi wakawumwa maane do kufwa

Mwalumii wamyaka isika makkumi abili alamusanu akamwi uzwa kuLupane wakasyala dindimbali musule akuyeyelwa kuti balumi bobile aba mbibakamutema akumuma ankoli , kumamanino wazosyala nkalikufwa zwakwe . Ba Insipekita Glory Banda balimbabo balangana eprovinsi...

Vasingadhibhise mombe vorodzerwa matemo

Vasingadhibhise mombe vorodzerwa matemo

Mukuedza kwayo kuderedza huwandu hwemombe dzinofa kubudikidza nechirwere cheJanuary Disease icho chiri kutadzisa kuti mamwe matanga anyatsopfumbira, Hurumende inoti ichazenge isingadzore tsvimbo kuvarimi vose vasingaendese mombe dzavo kumadhibhi sezvinotarisirwa nguva...