Makororo emombe ouraya mombe nhanhatu

New Ziana > Provincial Newspapers > Makororo emombe ouraya mombe nhanhatu

SHONA –Mapurisa emudunhu reMidlands akaparura chirongwa chokutsvaka
makororo akauraya mombe nhanhatu nokudzibvisa mabonzo dziri mudanga
kuLalapanzi, izvi zvakaita kuti muridzi wadzo arasikirwe nemari inosvika zviuru
zvina nemazana masere emadhora ekuAmerica (US$4 800).
Anotaura akamirira mapurisa Inisipekita Emmanuel Mahoko vakati vari kutora
nyaya iyi semhosva yokubiwa kwezvipfuyo uko kwakaitika paPuroti Nhamba 19,
Gando kuLalapanzi musi wa21 Ndira.
Nomusi wa20 Ndira, Evans Dzvairo uyo ane makore makumi mana nemasere
okuberekwa (48) anoshanda pamunda paRobert Dhliwayo somufudzi wemombe,
akapfigira mombe makumi matatu neimwe nenguva dzokuma6 zuva rovira
akazorara nenguva dzokuma10 usiku.
Mangwanani akatevera nenguva dzokuma7, Dzvairo akamuka akashamisika
chose mushure mokuona kuti mombe nhanhatu dzainge dzaurawa mudanga.
Mombe nhatu dzainge dzatobviswa mapfupa ose asi dzimwe nhatu dzainge
dzangobviswa mapfupa nechokuzasi.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ayo akauya kuzoona panzvimbo
pakaparwa mhosva. Parizvino hapana munhu ati asungwa.
Inisipekita Mahoko vakakumbira kune voruzhinji kuti kana paine angangove
noruzivo rungabatsira kuti makororo aya asungwe aende kukamba yemapurisa iri
pedyo naye kana kubata mupurisa anoona nezveKudzivirirwa kweKubiwa
kweZvipfuyo muDunhu reMidlands panhamba dzenharembozha 0773 048 674
kana nhare yomuhofisi 054 222 5503.

Most Popular